Home News Nyoka yoita mashiripiti mudunhu

Nyoka yoita mashiripiti mudunhu

288
0

VAGARI vekuInyathi Village 5 kudunhu
reMatabeleland North vanonzi vari
kuoneswa pfumvu nenyoka ine hudokwa-
dokwa hwekuda bonde iyo iri kubata
vanhukadzi “chibharo” pamwe nekuti
sikarudzi dzevanhurume vemunzvimbo iyi
dzishaye simba uye ichivatorera mari.
Kwayedza yakakurukura nevamwe vagari
vemunzvimbo iyi avo vari kugunun’una
zvikuru nedambudziko renyoka iyi.
“Varume vedu vanoshanda nesimba kuti
mhuri dzigute asi hationi chavanouya nacho
sezvo mari yavanoshandira yose
inongonyangarika. Izvi zviri kuitika
mudzimba dzakawanda sezvo munhu wose

Nyoka iyi inonzi yakatanga kuonekwa iri
musaga mugomo kuInyathi nemumwe
muvhimi uyo akazoudza sabhuku weko.
Zvinonzi muvhimi uyu akanzwa nyoka iyi
ichishinyira iri musaga pakabva paita
kutinhira kwakakura izvo zvakaita kuti
afungire kuti ine chekuita nezvemishonga.
Sabhuku uyu akabva adaidzira musangano
nevanhu vemubhuku make kuti vaende
kunoona nyoka iyi kugomo asi musaga
macho makawanikwa musina chinhu kunze
kwemapamba (pamper) akashandiswa.
Vamwe vanhu vemubhuku iri vakazodaidza
vanatsikamutanda kuti vachenure nzvimbo

Panguva iyo vanatsikamutanda vaiita basa
ravo, zvinonzi chamupupuri chakabva
chasimuka chikaenda kunomira pamba
pemumwe mudzimai uyo aifungidzirwa kuti
ndiye muridzi wenyoka iyi.
Muhurukuro neKwayedza, mukadzi uyu (zita
tinaro) anoramba nyaya iyi uye anoti vamwe
vanhu vemubhuku make vane godo
nekubudirira kwakaita mhuri yake zvave
kuita kuti vafungidzire kuti upfumi hwavo
vanohuwana kuburikidza nenyoka iyi.
“Ndinozvinzwa kuti pane nyoka
yashungurudza vanhu vemubhuku medu asi
zviri kufungidzirwa kuti ndini muridzi
wenyoka iyi manyepo. Hapana chandinoziva

yandakamboona ini,” anodaro mudzimai
uyu.
Magariro emudzimai uyu nevemubhuku rake
anonzi haasisina kunaka sezvo vose vave
kumutya nekuda kwenyaya iyi.
Kwaanoenda vanhu havadi kugara pedyo
naye uye vana vake kuchikoro havachatamba
nevamwe sezvo vave kusarudzwa.
Nyaya yekuti vanatsikamutanda vafambe
paimba imwe neimwe vachichenura
nekuchengetedza vanhu kubva kunyoka iyi
inonzi yakaramba kubudirira sezvo mambo
wenzvimbo iyi akati hazvisi pamutemo uye
zvinoda mari yakawanda kuti vaite izvi.

Vanhu vemubhuku mangu vari
kutsutsumwa nezvenyoka iyi kwenguva
yareba chaizvo. Mutemo hautenderi kuti
tipinde mudzimba dzevanhu tichichenura
nechinangwa chekupedza dambudziko iri,
chero tichifungidzira kuti pane ane nyoka
yaanogara nayo.
“Zvisinei, mambo vakati anenge asangana
nedambudziko renyoka iyi anogona
kudaidza tsikamutanda kuti amuchenure.
Handina simba rekuti vanatsikamutanda
vafambe imba yoga-yoga vachichenura,”
vanodaro Sabhuku Hlalakuhle.