MUSIKANA anoshanda mumba kwaRusape,
uyo anonyatsoziva kuti ane hutachiona
hweHIV, achagara mujeri kwemakore 20
mushure mekukonwa nemhosva yekubata
chibharo kakawanda muzukuru wevanhu
vaaishandira.
Precious (31) wekunzvimbo
yeMhukayesango, kuNyazura ange asina
gweta apo akamira pamberi pemutongi
Francis Mapfumo vedare reRusape
Magistrate Court.
Mutongi Mapfumo vanotsoropodza Precious
vachiti ane hunhu hwakashata zvikuru
nekudaro anokodzera kupihwa mutongo
wakaomarara.
Dare harina kumbomubvisira mamwe
makore pamutongo waakapihwa.
Muchuchisi VaTawanda Munjanja, vakaudza
dare kuti Precious akatora mukana wekuti
mwana uyu – uyo anofungidzirwa kuti ane
makore ari pakati pe9 ne11 okuberekwa –
ambuya vake vaisavepo pamba achibva
amubata chibharo kakawanda.
Precious nemwana uyu havana hukama.
Pamazuva asingazivikanwe nedare asi pari
pakati pemusi wa12 Gumiguru 2020 kusvika
09 Mbudzi 2020, mwana uyu akasiiwa kuti
agochengetwa nemusungwa uyu apo ambuya
vake vakange vashanyira mwanasikana wavo
kuChegutu.
“Panguva iyi, musungwa akaenda pabonde
nemwana uyu vasina kuwirirana kakawanda.
“Nyaya iyi yakazovikanwa apo mwana uyu
akaudza ambuya vake musi wa26 Kukadzi
2021,” vanodaro VaMunjanja.