Home News Mudzimai owanikwa aripa bonde nechikomba parufu rwemurume wake

Mudzimai owanikwa aripa bonde nechikomba parufu rwemurume wake

1446
0

AKAVE mashura padunhu pane rimwe purazi
rakagariswa vanhu patsva, reSam Levy,
kuSunnyside kuNyabira, apo mumwe
mukadzi anonzi akabatikidzwa aine
chikomba parufu rwemurume wake.
Mai Clara Mupaso (32), vari kunzi
vakawanikidzwa vaine chikomba ichi musi
wavigwa murume wavo, Solomon Same
Jokoniya, uyo anonzi akaita kuzviuraya.
Asi mudzimai uyu ari kuramba nyaya iyi
achiti murume anonzi chikomba chake uyu
ainge “angouyawo achitsvaga babamukuru”.
Mukoma wemushakabvu, VaDiva Jokoniya
(38), vanoti vakashamiswa zvikuru kuti apo
vanhu vainge vachangopedza kuviga
munin’ina wavo, vakabva vabatikidza
muramu wavo aine chikomba husiku.

Hongu, munin’ina wangu anogona kunge
akafa zvake nekuzviuraya asi dambudziko
rangu rimwe chete, rekuti munguva inoita
maawa matanhatu taviga mutumbi
wemurume wake, ini mbune
ndakazowanikidza muramu wangu kuma10
husiku aine chikomba mumba maairara
nemurume wake. Pane mibvunzo panyaya
iyi,” vakadaro.

Murume wandakamuwana naye vari
mumba anonzi Shereni, wemuno. Fungai
vamwe vanhu vakawanda vakanga vaparara,
kwasara amainini ava nevana chete.
Ndakasvika pano ndokuwana Shereni agere
kuseri kwedhoo kwavanorara.
Pandakapinda, vaviri ava vakavhunduka
murume uyu achibva asimuka paaiva agere
achiti aitsvaga inini. Ndikashamiswa kuti
aigotsvaga ini apo vanhu vaiziva kuti
ndainge ndisipo,” vakadaro babamukuru
ava.
Mudzimai uyu akaramba nyaya yaari
kunenerwa iyi, kunyange zvazvo akabvuma
kuti murume anonzi Shereni akawanikwa ari
mumba make kuma10 husiku.
“Kunyepa kwavo babamukuru ava, ndivo
ufamba vachiparidzira nhema.

Mupurisa wemumusha uyu, VaJohn Majika
(64), vanoti vanoda kuzogadzirisa nyaya
yemunhu anonzi akabatikidzwa aine
mudzimai uyu kuti vagomuendesa kwaShe
Zvimba vedunhu iri.
“Chokwadi tingati here musi wavigwa
chitunha chemurume totoita zvakadaro?
Kana icho chikomba chacho kana chiri
chokwadi hautye here uchiziva kuti taviga
munhu nhasi? Zvakaoma, tichaona kuti
toigadzirisa sei,” vakadaro.
Panguva yataurwa nyaya iyi kuvatori
venhau, babamukuru naamainini ava
vakapotsa vaita gumi rakadya vaviri apo
vakatanga kupopotedzana.
choroni haana kuonekwa kuti apewo divi rake.

Panguva yataurwa nyaya iyi kuvatori
venhau, babamukuru naamainini ava
vakapotsa vaita gumi rakadya vaviri apo
vakatanga kupopotedzana.
Shereni haana kuonekwa kuti apewo divi
rake panyaya iyi.