Muridzi weBeta Bus Company, VaMuganda, vakapa vashandi veHurumende kwaMutare mari inodarika US$4 000 kuti vabhadhare mari dzekurapwa kwevanhu vakakuvara nevakafa apo rimwe bhazi ravo rakadhumhana nerori kunze kweMutare pa-christmas.
Vanhu makumi matanhatu nevasere (68) vakapona mutsaona iyi apo bhazi reBeta rakabonderana nemota yemafuta yePathera Logistics.
Zvakadaro, vatatu vakafira ipapo apo vamwe vaviri (2) vakafa mushure mekuendeswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti VaMuganda vakashanyira chipatara ichi vachinyaradza mhuri dzine hama dzakafa pamwe nevakakuvara mutsaona iyi.
Asst Insp Chinyoka vanoti, VaMuganda vakapa US$4 000 kuna District Development Co-ordinator weMutare, VaWilson Boore, pamberi pemunyori weProvincial Affairs and Devolution kuManicaland, VaEdgars Seenza, yekuti vabhadhare mari dzekurapwa kwevari muchipatara pamwe chete nechikafu chekupa hama dzevafi uye zvimwe zvine chekuita nemari. Ari kubatsirawo mapurisa kutsvaga mutyairi wake.
Mutyairi webhazi reBeta anonzi Philip Chirindo uye anonzi ari pakutiza.
Zvichakadaro, Hurumende kuburikidza nekambani yeInsurance yeZimbabwe (ICZ) iri kubhadhara mari dzekurapwa kwevanhu vakakuvara mutsaona iyi.
Hurumende yakaita contract neDoves Funeral Services kuti igopa mabhokisi nemotokari dzinotakura vafi.
Asst Insp Chinyoka vakaburitsawo pachena kuti chikwata chemapurisa che forensics chakatumwa panzvimbo iyi ndokutanga kuti iongorore mitumbi yakasva kusara vanhu vasisaoneki.
Akati, kuongorora kweRoad Traffic Accident (RTA) kwakaratidza kuti paive nevanhu makumi matanhatu nevapfumbamwe mubhazi reBeta uye vaviri vaive mumota yemafuta. Vanhu vatatu vakafira ipapo.
Vanhu vakakuvara vakatakurwa vakaendeswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital uko kwakafira vaviri.
41 vakarapwa vakaburitswa uye makumi maviri nevashanu vachiri muchipatara, vakapatsanurwa svarume gumi, vakadzi gumi nevana vashanu vari pasi pemakore gumi nemaviri.